Joshua 13

Nyika yakanga isati yatorwa

1Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa.

2“Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri:

3“Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi yavaAvhiti); 4kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAra yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori, 5nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati.

6“Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira, 7uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.”

Kuganhurwa kweNyika kuMabvazuva kweJorodhani

8Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha.
9Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhebha kusvikira kuDhibhoni, 10uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni. 11Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka, 12zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdhirei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo. 13Asi vaIsraeri havana kudzinga vanhu veGeshuri neMaaka, naizvozvo vagere pakati pavaIsraeri kusvikira nhasi.

14Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaiitwa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.

15Iyi ndiyo nhaka yakanga yapiwa rudzi rwaRubheni naMozisi, mhuri nemhuri:
16Nyika yose kubva kuAroeri, nechokumucheto kwoMupata weArinoni, uye kubva muguta pakati pomupata, bani rose kupfuura Medhebha 17kusvikira kuHeshibhoni namaguta ose ari mubani, kusanganisa Dhibhoni, Bhamoti Bhaari, Bheti Bhaari Meoni, 18Jahazi, Kedhemoti, Mefaati, 19Kiriataimi, Sibhima Zereti Shahari pachikomo chiri mumupata, 20Bheti-Peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti Jeshimoti, 21anova maguta ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, uyo aitonga paHeshibhoni. Mozisi akanga amukunda pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo. 22Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori uyo aiita zvokuvuka. 23Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni mhuri nemhuri.

24Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, mhuri nemhuri:
25Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha; 26nokubva kuHeshibhoni, kusvikira kuRamati Mizipa neBhetonimu, uye kubva kuMabhanaimu kusvika kunyika yeDhebhiri; 27nomumupata, Bheti Haramu, Bheti Nimura, Sukoti neZafoni nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshibhoni, (kumabvazuva kweJorodhani nenyika inosvika panogumira Gungwa reKinereti). 28Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yavaGadhi, mhuri nemhuri.

29Izvi ndizvo zvakanga zvapiwa hafu yorudzi rwaManase naMozisi, ndiko kuti, kuhafu yemhuri yezvizvarwa zvaManase, mhuri nemhuri:
30Nyika yavo yaibva paMahanaimi, ichibatanidzira neBhashani yose, noushe hwose hwaOgi mambo weBhashani nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; 31hafu yeGireadhi, neAshitaroti neEdhirei, (maguta oushe hwaOgi muBhashani). Iyi ndiyo yaiva nhaka yezvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase, zvehafu yavanakomana vaMakiri, mhuri nemhuri.

32Ndiyo nhaka yakagoverwa naMozisi pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva kweJeriko. 33Asi rudzi rwaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha, Mwari wavaIsraeri, ndiye nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.
Copyright information for SnaBDSC